amalinks wokungena

Breaking News

Zanu-PF Yoita Musangano weKugadzirisa Bopoto Riri Mubato Iri


Dare repamusoro soro muZanu-PF riri kusangana neChitatu kuti rikurukure nyaya dziri kukonzera mapisha pisha mubato iri.

Pane kunetsana kwakanyanya panyaya yebumbiro remitemo uye mamiriro ebato mumatunhu akasiyanasiyana.

Nyaya idzi dzinenge dziri mugango neChitatu. Dunhu reMidlands rinonzi riri kuramba kuti makomiti ematunhu abviswe sezvakataurwa neCentral Committee pamwe nePolitiburo.

Dunhu iri rinoti kana hutungamiri hwematunhu hukaparadzwa, mutungamuiri webato ravo, VaRobert Mugabe, nevamwe vavo vanovatevedzera, vanofanirawo kusiya zvigaro zvavo.

Hutungamiri hwemamatunhu hwakanzi huri kukonzera kusawirirana mubato, nekudaro hwakanzi hubviswe mubumbiro rebato. Imwe nyaya iri kutarisira kukurukurwa inyaya yebumbiro remutemo iyo yokonzerawo kunetsana mubato.

Vamwewo vachitungamirwa nemumiriri weTsolotsho mudare reparamende, VaJonathan Moyo, pamwe nechipangamazano cheZanu-PF mukunyorwa kwebumbiro idzva neCOPAC, VaGodwills Masimirembwa, vari kuti bato harifanire kutambira bumbiro iri sezvo risina kutevedzera zvido zvevanhu.

Asi mumwe wemasachigaro ekomiti yeparamende iri kukokera kunyorwa kwebumbiro idzva, yeCOPAC, uye vachimirira Zanu-PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti vaviri ava varasika gwara. Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaMasimirembwa naVaMoyo.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu-PF, VaDidymus Mutasa, avo vari muchikwata chekupenengura mamiriro ebato, vakatiwo chikwata chinozivikanwa nerekuti Chipangano, chinofanirwa kumiswa mabasa acho ekutyisidzira vanhu kuMbare nekuvatorera zvinhu zvavo muzita reZanu-PF.

VaMutasa vaudza sachigaro weZanu-PF mudunhu reHarare, VaAmos Midzi, kuti vamise zvachose mabasa akashata eChipangano. VaMidzi varamba kutaura neStudio 7 nezvenyaya iyi. Vamwe muZanu-PF vari kuti kana vasingatsigire Chipangano havatenderwi kutsvaga rutsigiro rwebato musarudzo dzemuHarare.

Sachigaro wevechidiki muZanu-PF, VaJim Kunaka, avo vanonzi nevakawanda ndivo vanotungamira Chipangano varamba kuti vanodyidzana nechikwata ichi.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika inodzidzisa paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe, avo vakabuda pachena kuti vachada kukwikwidza musarudzo vakamirira MDC-T, vanoti Zanu-PF yave huku yodya mazai ayo.

XS
SM
MD
LG